The Antidote Math

The Antidote Math

Share

MATHS AND ACCOUNTING TUTORS [GRADES: 7-12]

17/03/2024

ZVINONYANGADZA !

Hama tapindwa nei,
Chii chatibata?
Munoreva here kuti zviri kuitika hamuzvione,
Kumbavhara madziso kunge mapofu shuwa,
Ngei mwedaro madhodha?

Mungarekere dhodha reinyepa,
Ndiyani usingazii kuti isu yedu aitengi,
Zvinonesa kuona izvozvo?
Kunotorwa zvipepha zvokuhambisa vanoda yeseri,
Hino munorambirei kuti azvisi kuhamba pamuzi pano?
Dai yaitenga anditi tashandisa yedu,
Aaaa amubhuyi gwinyiso mani,
Munondinyangadza maningi!

Imwimwi anaSibiya nana Jeketi musamboti bufu!
Ndimwi maikaima vanhu ngezvimboma,
Mweiti mukasaita zvinodiwa ngeakuru munopera,
Nyamashi nemwi mwochemaiwo,
Kwai vatiiyarwa,
Pamai rumbirirana paya maiti vachamukarakadza su?
Chitoro chedu chimwe,
Chipatara chedu, chimwe,
Chisime chedu chimwe,
Chikora chevana vedu chimwe,
Havo vakangwara, vana seri kwenyanza.
Takashandiswa mahara madhodha.
Ende zvinondinyangadza maningi!

Takazvibhuya siyanai nemadhodha aya,
Abhuyi gwinyiso,
Chokwadi ungapona sei nezvibhaibhai dzakadai?
Zvisina mushando nevamweni,
Iyo khapu yeraisi yandakapuwa,
Kwai pedza nayo mashanu anoteera.
Aaaa madhodha eChipinge musadaro.

Ukamuti mumbatso amuna uswa,
Unozwa, ndokuurayai mese,
Zviro zviri kudhura muchitoro,
Kwai ndinokubvura ngeine munyu,
Unoda kubvura anani mumbatso amuna sadza umu,
Kuri kuti musareketeta,
Kutoti une nzara zvotomamisisazve.
Upengo zvaunoita so.
Zvinoputisa mwoyo chaiko!

Asi havo ana Dakarai naChivhayo, vakangwara,
PaChecheche paya Kukandira here huku dzemukati,
Madhodha kuita unge zvana zvaBhoki,
Kurwira kunongera.
Kurwara zvakunomboisa so.
Chiini chatibata, madhodha?
Tinombadhanisana iiii.

Ana Togarapari nanaGondai vaitondundurudzana nezvimbuya,
Kwai mukasaita zvinodiwazvo,
Hondo yaSimiti ingapetuka,
Hino zvichipari?
Vakangwara votorya havo nevana vovo,
Chotouraya inzara,
Simiti uya tsvaa!

Asi zvaimbareketwa zviro zvizvi,
Kuti nzee hadzo atichina,
Mazuwa ano kupona iwapusawapusa,
Ukavata unomuka watoguma kunyikadzimu,
Ndaa iiii nzara wacho haana tsitsi.
Ichiruma kudaro wozwa,
Kwidzawo chikabudura kana chiketi chako.
Zvino ini wekumakomo, ndokwidzei?
Bhuruku rinoperera parakatangira,
Kukwidza kwakutobeka muviri pachena.

Ndakazogaya ndikati nditewo savaChipanga,
Ndindotsvaka mushando Kumarengenya,
Hino unoziya anani Pedzai?
Ndaa ndozvamuno, unorya pane hama yako.
Hino imi vanaTapera, naMasirande vekwaKomedhuna,
Munoonekwa ndiyani,
Kwakuchingokangwa muchiwenda sezvidhongoti!
Newewo nzara dai wataura naTsitsi naNgoni vekwaChiwenguwengu.
Watiregererawo,
Taa anaTarashwa!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!

Want your school to be the top-listed School/college in Germiston?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Telephone

Website

Address


12 Mignonette Primrose
Germiston
1401