Dorcas Moyo

Dorcas Moyo

Share

The official page for Dorcas Moyo, multi award winning Gospel artist. Dorcas is married woman with 6 children and resides in Harare, Zimbabwe.

17/06/2026

Joko raChristu
Matthew 11:28 -30

Ichokwadi kuti kunamata kunorerutsa mitoro nekuti iye Jesu anoti pana Matthew 11:28 “Huyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.” Jesu anobvisa zvinorema agotipa kuzorora. Asi nyaya haigumire ipapo, next verse 29 inoti iyo “Muise joko (yoke) rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri ….verse 30 yoti… Nokuti joko rangu rakanaka nomutoro wangu unorerukira.
Jesu haagumire pakubvisa mutoro unorema chete, asi anotipa rake Joko kuti tikakure and rake rakarureka.

Dambudziko rataita, kune vamwe manje vanobva varerutsa kunamata to a level below the standard yaKristu. ChiKristu vanochirerutsa zvekudaro zvekuti zvinotarisirwa kuti munhu ararame achitevedzera according to shoko raMwari vanozvinobvisa. Church yanhasi manje inobva yabvisa joko raChristu racho ranzi rakanaka, munhu osara asina. Inoita kunge favour but unenge watobviswa pana Mwari.

Jeroboam akambozviita, akagadzirira vanhu zvimhuru zveGold, kwakuisa chimwe paDan, chimwe paBethel and he told them kuti nyaya yekuti mupote muchienda kuJerusalem kuTemberi kunonamata its too much. Ndakurerutsirai nekukupai maLocal based gods, varipedyo nemi and ichi chakava chivi pamberi paJehovha (1 Kings 12:28-30) . Jeroboam anokubvisa paJoko raMwari like he is doing a favour but achikurasisai.

Jesu anoti pana Matthew 7:13 suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vanopinda naro vazhinji. Be careful yechinamato chinokupa freedom yekuita zvaunoda yet zvichipesana neShoko raMwari because iroro ndiro suwo nenzira zvinoendesa mukuparadzwa. People get excited kana church ikavabvumidza chimwe chinhu, unonzwa vachitoti ahh isu huyai kwedu, hakuna pressure, tinobvumidzwa zvakati nezvekuti, tasiyana nemi munoomeserwa muchirambidzwa A,B,C,D. apa uone chinhu chacho chiri kutaurwa, its something made clear neBible kuti Mwari havadi.

Kunamata ngakureruke tichitevedzera zvinodiwa neBible kwete tichipesana neShoko raMwari. Joko raChristu rakanaka, uye rakarureka, but kana takuribvisa manje we are creating a big problem. Hatifanire kuAbuser nyasha dzaMwari tichidzishandisa kutyora mitemo yake.

John 14:15 “Kana muchindida, muchachengeta mirairo yangu”

16/06/2026

Hi there! I just launched a fundraiser to support Rueben Zhiva, a devoted husband and father who’s been hospitalized in Harare with a serious bladder growth needing surgery. His family is facing mounting medical and daily living costs, and your support could really bring them some relief during this tough time. If you’re able, please consider sharing or donating — even a small gesture can make a big difference for Rueben, Sinikiwe, and their little one.

https://gofund.me/228678330

This is the new link ye new go fund yakavhurwa na Sinikiwe haichashanda irikuita problem yekuti kana akuda kutora mari irikutora nguva yakareba to be approved apa anenge ari indeed yemarii yacho ,so the wife to Archford (hope I got it right ) opened this go fund for Sinikiwe Kademaunga Official
Thank you Thia Mai ,help us to share this link
Then for mukuru ,ecocash ,world remit use 0779137799 Sinikiwe Zhiva

16/06/2026

Ini kwedu name in comment section....Tag them kaaaa🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣🤣

16/06/2026

Nice from afar but far from nice

‎Matthew 21:19


‎Pane zvinhu zvinoita kunge zvakanaka kana uchizviona uri kure, asi kana wasvika padhuze ndipo paunoona kuti zviri kure nekunaka.

‎Jesu anoona muti wemuonde from a distance, anoswedera pauri kuti awane mawonde ekudya asi ndipo paanoona kuti wanga usina maFruits but mashizha chete. (muonde kana uine mashizha uri supposed kuva nemawonde, that is why Jesu came expecting kuwana maFruits)

‎Izvi ndizvo zviri chinamato chevamwe, from afar unoona mashizha ugofunga kuti pane maFruits but after a closer look unoona kuti mashizha chete. Vanhu pavari kuona maStatus amunoPoster paSocial media muchiisa zveChurch, that's very good, but kana vasvika pedyo newe face to face, character yako inoenderana here neShoko raunoPoster. Are there fruits kana kuti mashizha chete.

‎Zita reBusiness renyu makatora kubva muBible, but mashandiro enyu amunoita tikasvika padhuze anotaridza here kuti munoshandisa Bible kuti angori mashizha asina maFruits.

‎Dressing yenyu kuChurch and away, yakanaka, inopangidza zvedi kuti muri munhu waMwari amai, but tikauya closer kumba kwenyu uko, maid anogona here kupupura kuti munonamata nemabatiro amunomuita.

‎Mashizha akanaka, zvinoonekwa zvekunze ngazvinake and that is good but kana zviri mukati zvikatadza kunakawo, unoshoresa chinamato chako, and hazvifadze Jesu. Hypocrisy (hunyengeri) hwakaipa, kupupura zvinokudza Mwari but mabasa acho achipesana neshoko raunoti unotenda mariri.

Let’s have zvibereko zvinofadza Mwari on top of the leaves (zvinoonekwa zvekunze)

Matthew 23:28 Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

12/06/2026

Kunzvengeswa neNyasha

Judges 16:1-3

Samsoni wakaenda kuGaza, uko akanowana mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari. News dzakafamba kuti Samson is around, vagari vemuguta umu kwakukomba nekumuhwandira, husiku hwose pamusuwo weguta so that makuseni vanomuuraya. Pakati pousiku, Samusoni akamuka, akadzura magedhi akamaisa pamapfudzi ake akaenda nawo pamusoro pegomo rakatarisana neHebhuroni. Akabudirira kutiza this trap yerufu yaainge arongerwa. Satani aida kuti afe, asi Mwari vakati KWETE.

Inyasha dzaMwari dzinoita kuti tipukunyuke kubva muma situations ayo aigona kuzotikuvadza kana kutiuraya & mamwe ma problems acho like Samson, tinowira maari nekuda kwekusaterera shoko raMwari. Kudai Samson akaterera mutemo waMwari unorambidza hupombwe, kungadai asina kuenda kuchifeve, uye angadai asina kuzokombwa nevanhu veGaza avo vaida kumuuraya.

Tendai Mwari nekuda kwenyasha dzavo, Samson akakwanisa kunzvenga before nguva dzanga dzatarwa dzekuti vamuuraye. Kudai Mwari vatibatsira tipukunyuke njodzi dzakativandira. Asi kana Mwari vachinge vatibatsira kutiza matambudziko aunzwa nekusaterera kwedu, haisi mvumo (approval) kana ticket rekudzokera kuzvivi izvozvo, asi kuti tapihwa mukana wekuti titendeuke. Usafunga kuti nyasha dzaMwari irezinesi yekutadza (licence to sin).

Ungadai uri kujeri nekuda kwemhosva dzawakapara asi nenyasha dzaMwari, Akakuponesa kubva ipapo. Wakapotsa wabatwa ku mjolo (hupfeve) paye, asi Mwari havana kuzvitendera kuti zviitike. Wakapotsa wabatwa while cheating in an exam, asi Mwari havana kuzvitendera kuti zviitike, utori necertificate, diploma nedegree asi iwe wakabirira mu exam. Mwari kutinzvengesa kwavanoita uku its NOT because vari kutsigira maitiro edu, Kwete, asi vanoda kuti titendeuke pasina kunyadziswa kana kubatwa. Satani anoda kuti tipinde muchivi and tibatwe tirimo red handed. So usafunge kuti wakangwara stereki or une ma tactics ‘manyama’ anoita kuti urege kubatwa, asi kuti ndiMwari Vakunzvengesa vachiti, pada you will see kuipa kwemabasa ako ugotendeuka.

Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo? VaRoma 6:1-2

Want your public figure to be the top-listed Public Figure in Mutare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Website

Address


Mutare

Opening Hours

Monday 08:00 - 21:00
Tuesday 08:00 - 21:00
Wednesday 08:00 - 21:00
Thursday 08:00 - 21:00
Friday 08:00 - 21:00
Saturday 08:00 - 21:00
Sunday 09:00 - 17:00