M.A.P.I.P.I

M.A.P.I.P.I

Share

This institution stands for the establishment of God`s kingdom on earth Messiah's Apostolic Prophetical Inspired People`s Institution

M.A.P.I.P.I

19/11/2013

M.A.P.I.P.I Matambudziko ari pasi nhasi
angaratidza kusiyana pameso
evazhinji asi chokwadi ese
anoberekwa pamwe chete
nechinhu chinonzi Kusaiziva kuti
nyika inogarwa nekutongwa sei chete chete. Governance system
ndihwo huroyi hwatamhudza
nyika yanhasi. Ndosaka kutonga
kwa Mwari kuriko chete
nyaradzo ne donhodzo repasi
rino. Mungaitonga mega mega sei musina mubatira pamwe neuyo
anokunayisirai mvura. Hapana
hurumende inonayisa mvura.
Hurumende ngadzibate pamwe
na Mwari pasi rigarike. Hutongi
ndivo muchetura mukuru vatitambudza. Saka tave kuda
kwa Mwari. God's Kingdom is the
only answer to our fate. Amen.

18/11/2013

M.A.P.I.P.I @ King Llodza Hapana mutendi
anoyera kubata Bible. Mutendi
wese anosungirwa kuziva Bible
kwete kuri bata chete. Zve kana
vari ziva rinenge roshanda
kwauri se duramazwi dictinary raunoshandisa chete uchitsvaga
dudziro. Nzira inoita chete kuti
uzive nezva Mwari kubatwa
neMweya mutsvene. Ini
kubudikidza ne Mweya mutsvene
ndine zvizhinji zvandinoda kudzidzisa nyika zvisiri kana kuti
zvisati zvave mu Bible. Bible
rasara kunyorwa chikamu
chetatu chekupedzisira chicha
taura zvikuru nemabasa
achaitwa na Mweya Munyaradzi. John 16 vs 1.-16. Apa
ndashandisa duramazwi kuti
zvikuyamure kuona kana ndiri
mugwara. Never use the Bible let
the Bible guide or use you for it
is the living word of God. Vazhinji varasika nekuda kushandisa Bible
vachirega kuripa mukana vekuti
rivashandise ivo vanhu. Mutendi
chaiye haashandisi Bible, Bible
ndiro rinoto shandisa mutendi.
We are led by the Bible the word of God, therefore cant use
it. Kuziva Bible zvechokwadi
kunobva chete kuna Mwari,
zvikoro zve Bible zvinoziva
chete ma chapters and verses
of the Bible and nothhng more. Knowing God through the Bible is
very different from knowing the
Bible through God hence the two
classes of worshipers. Wese imi
makazvipira kusarudza
kushandira Mwari muchawana mibairo yenyu nekuti kuda
kwenyu. Ini handina mubairo
nekuti handina kusarudza asi
kuti ndakasarudzwavo . Zviri kumusarudzi. Kune vatendi vaviri
panyika vekuzvipira neve
kutsvagwa. Vaviri awa
vangabata pamwe asi havaoni
zvakafana nemibairo yakasinawo,
kazhinji vekuzvipira vanopindurwa. Amen.

17/11/2013

M.A.P.I.P.I Kuchamuka vaporofita venhema.
Sei Jeso vakadaro? Zvinoreva
here kuti ava vaporofita vatiri
kuona ndeve nhema here? Jeso
vakati vachamutsa vaporofita
venhema kutsausa vazhinji kubva pachokwadi. Vaporofita
venhema vanoonekwa nekuti
muzhanje haunga bereki mango.
Muchaona church dzisinga
tungamirwe ne Mweya mutsvene
dzave pamberi kushandiswa ne Mweya mutsvene. Vanoita ve
venhema nekuti vanga vasinga
bvumi kuti kune Mweya
mutsvene. Uyevo vachaita
mabasa matsvene aya vasina
hanya nekuremekedza Mweya mutsvene zvakaita sekupfekawo
nguvo dzekireke pamwe
nekubvisa shangu dzavo
pavanenge voita basa reMweya.
Kwavari hazviyeri kuremekedza
Mweya mutsvene nekuti chitendero chavo chagara
hachizivani ne Mweya mutsvene.
Jehovha achavashandisa vatendi
vasiri ve Mweya ava kuita
mabasa e Mweya vasiri ve
Mweya kuti muone hove pasina mvura. Vazhinji vachamhanyira
kunodya hove dzisiri kubatwa
kubva mumvura vachinyatso ziva
kuti hove yemazvirokwazvo
inobva mumvura. Izvi zvinoitirwa
kuti vazhinji varege kucheka kana kubatsira zvekuya kwe
HUMAMBO hwaMwari PANYIKA.
Kumuka kwevaporofita venhema
kuitira kuti veruzhinji varege
kuona nekukoshesa MAPIPI
inovapa shanduko yechokwadi nerugare rusingaperi kusvikira
rini na riini. Chinangwa cha Mwari
panyika hachisi chekurapa,
kuporofita,mina na kana kubvisa vanhu madhimoni kwete. Vave
kuda kutonga vega Mwari pasi
ravo ravaka sika, vachishandisa
vanhu sezviri kuita satan nhasi.
NDIMI ANHU ACHO. Huyai tiwake
Humambo hwe Denga panyika. Kana ndichipenga, kekutanga
munhoroondo yemipengo ndinoti;
NDIBATSIREIWO KUPENGA KWANGU.
Amen.

16/11/2013

Sei mutendi akatadza achishambadzwa zvakapetwa kagumi kudarika wake satan? Kuda chete kwake satan kuratidza nyika kuti ari kukunda Mwari nekumutorera vanhu vake Mwari. Asi chokwadi ndeche kuti kutadza kutadza mutendi kana kwete tese takasikwa na Mwari. Kana munhu atadza musaona sekunge chitendero ndochatadza. Dofo rika foira hachisi chikoro chafoira kwete. Uyevo endesai varwere kuzvipatara kwete kumajeri. Kujeri ndekwe vasungwa kwete varwere. Murume akakwana ane ma normal feelings anoda mudzimai. Nemudzimaiwo ane ma normal feelings anodawo murume. Kana zvisina kumira kudaro urwere kwete mhosva, rapisai vakadai. Kana vatendi vanongo rwarawo sezvo naivo vanhuvo sevamwe. Amen.

Want your place of worship to be the top-listed Place Of Worship in Mutare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Website

Address


Mutare