El Shaddai Methodist Church In Zimbabwe
Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from El Shaddai Methodist Church In Zimbabwe, Religious organisation, Waterfalls Retreat Park Harare, Waterfalls.
*Dressing :Mapfekero haana basa,Chikuru moyo wako! Ndizvo here?*
*This is not a matter of debate imharidzo.*
Kana yakubata chingotendeuka kwete kugumbuka.
Chaita ndiparidze ndaona kukakavadzana kakavapo about dressing.
Provebs 7 vs 10;Zvino tarira mukadzi akasangana naye akange akafuka sechifeve,nokunyengedzera pamoyo,
*Ko icho chifeve chinombopfeka seiko uye chii chinombonzi chifeve?*
Chifeve munhukadzi anotengesa muviri ,zvoreva kuti iye anotengesa anoshambadza zvaanotengesa *(advertising)*
Saka chero pakupfeka anopfeka zvinoshambadza zvaanazvo.
TOMBOTANGIRA IPAPO
Ko why uchiti dzimwe nguwo dzako pakasvika pastor unomhanya kubvisa?ko sei uchiti dzimwe dzacho hadziite ku church?
Ko shoko harina kuti miviri yedu itembere ya Jehovha?
Adam na Eve vatadzira Mwari vakaona kushama kwavo,vakatsvaga mashizha vakasimira,but Mwari pavakauya vakavaitira nguwo dzematehwe vakavafukidza nadzo(Genesis 3vs 21)
Mashizha kana akapfekwa dzimwe nyama dzemunhu dzinoonekera but dehwe rinovhara muviri wese.
Idzo dzako hembe dzinosiya ganda remukati richionekwa haasi iwo mashizha akabviswa na Jehovha akaisa dehwe here?
Chero ukanamata zvinengeyi,ukaparidza zviri powerful,ukatsanya zvakaita sei asi wakapfeka sechifeve,shoko rati moyo wake une kunyengedzera.
Kana isu tabvumirana kuti kupfeka hakuna basa,iro bible roti *akapfeka sechifeve* Zvoreva kuti zvifeve zvine Mapfekero azvo.
Mazuva ano vanhu vave kutoita competition yekupfeka zvakashama nezvifeve zvacho.
Hazvina basa nekuti vamwene,murume,vatezvara kana church yenyu yazvibvuma,mumeso amwari munenge muri vanyengeri.
Ndadaro chikonzero ndoona muchipedza nguva discussing mumba nyaya yemapfekero refer to the bible.Kune mapfekero ezvifeve.Handina kunangana nemunhu,bible ndoradaro.
Jehovha kana akapfekedza Adam na Eve zvaivhara muviri wese,ongorora yawakapfeka.Vamwe vachisona coz yadambuka yave kutaridza zviri mukati,vamwe ndopavari kutenga zvakadamburwa kare. Ndatuka here mhuri yeZimbabwe?
Kana taparadzana zviri
Hello hello the Weslyan followers where ever you are
Mwari ndiye tsvingo yedu
Ndiye simba redu iye
Pakumanikidzwa kwose
Ruyamuro rwechokwadi
Hymn 158
Good morning the saints of God, may the Lord enlighten your way this Monday in Jesus mighty power
Amen
Maswera sei hama munashe
Kutenda Tingakuwane sei?
Pane chokwadi chinoita kuti makristu akure pachikristu. Petrosi akati chokwadi chakafanana nemukaka wemweya (1 Peter 2:2). Shoko raMwari rinoti vatendi vose vechokwadi vanozvarwa mumhuri yaMwari kubudikidza nesimba raMweya Mutsvene, (John 3:5; 1Peter 1:23).
Mwari anoda kuti vatendi vadzidze chokwadi chizhinji , vatendi vatsva vanotanga vakaita sevana, Mwari anoda kuti vakure (1 John 2:12-14).
Bhaibheri rinoti kudini pamusoro pekutenda.
1. Zvivi zvedu zvakaregererwa kubudikidza nokutenda (Romans 3:25)
2 Tinoruramiswa nokutenda ( Romans 4:5)
3 Tinoyananiswa naMwari, uye tinorugare naye nokutenda ( Romans 5:1)
4 Takaponeswa nenyasha kubudikidza nokutenda ( Ephesians 2:8)
5 Pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari ( Hebrews 11:6)
Idzi dzimwe ndima pakati pezhinji muTestamente Itsva dzinobuditsa kukosha kwekutenda. Ndima yekupedzisira inobuditsa pachena kuti pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari. Uye hatigone kuziva Mwari kana tisina kutenda maari.
Mwari vakuropafadzei mose
Prepared and Posted by:
Proph S W Jemwa
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Telephone
Website
Address
Waterfalls Retreat Park Harare
Waterfalls